Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 32:24 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

24 Erami riri’po naʋanhu ʋaro ʋazhinji ʋose ʋakakomberedza rinda raro, ʋose ʋakaʋurawa, ʋakawiswa pasi nomunondo, iʋo ʋakaɓurukira kunɀimbo dzapasi dzenyika ʋasino‐kudziŋgiswa, iʋo ʋaityisa panyika yaʋapenyu, ʋakaʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

24 “Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

24 “Eramu irikowo negungano rayo rose rakakomba guva rayo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo vanyakudzika pasi pasi penyika vasina kudzingiswa, iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, vachipindwa nokunyara pamwechete navanoburukira kugomba.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

24 “Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.

Viz kapitola kopírovat

Ezekieri 32:24

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy