Ezekieri 12:3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Naiɀoɀo iwe mŋanakomana womunhu, ɀiroŋgedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, ʋaciɀiʋona; unofanira kutama ucibva panɀimbo yako ucienda kuneimŋe nɀimbo, ʋaciɀiʋona; ɀimŋe ʋaŋgazofuŋga, kunyaŋge iri imba inondimukira simba. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 “Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. Viz kapitola |