Online Bible

- Reklamy -

Estere 8:5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

5 Akati: Kana mambo acifara naɀo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo aciti ɀakanaka, ini ndikamufadza haŋgu, ŋwadi ŋgadzinyorwe dzicashandura ŋwadi dzaiʋa nezano raHamani mŋanakomana waHamedata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza ʋaJuda ʋari pamatiʋi ose enyika yamambo;

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

5 Akati, “Kana mambo achifara nazvo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo achiti zvakanaka, ini ndakamufadza hangu, n’wadhi ngadzinyorwe dzichashandura n’wadhi dzaiva nezano reHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamativi ose enyika yamambo;

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

5 Esita akabva asimuka akamira mberi kwamambo, akati, “Kana zvichikufadzai zvenyu mambo uye mandiitirawo tsiye nyoro, uyezve kana muchichionawo kuti chingave chinhu chakanaka, mandiitirawo mwoyochena; ngakunyorwe matsamba anoti: zvakanga zvakatemwa mutsamba, naHamani muchiAgagi mwanakomana waHamedhata, tsamba dzaakanga anyorera kuparadza vaJudha vari munyika dzose dzamambo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

5 Akati, “Kana zvichifadza mambo, uye kana achinditarisa nenyasha nokufunga kuti chinhu chakanaka kuita, uye kana achindifarira, murayiro ngaunyorwe unodzima tsamba dzakanga dzanyorwa naHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzokuparadza vaJudha mumatunhu ose amambo.

Viz kapitola kopírovat

Shona BIBLE

5 Akati, “Kana mambo achifara nazvo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo achiti zvakanaka, ini ndakamufadza hangu, tsamba ngadzinyorwe dzichashandura tsamba dzaiva nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamativi ose enyika yamambo;

Viz kapitola kopírovat

Estere 8:5

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy