Online Bible

- Reklamy -




Estere 3:13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

13 Ŋwadi dzikatumŋa nenhume dzinomhanya kumatiʋi ose enyika dzamambo, kuti ʋaJuda ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋana ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaparadzwe nokuʋurawa nokupedzwa pazuʋa rimŋe, pazuʋa regumi namatatu romŋedzi wegumi nemiʋiri, uri mŋedzi weAdari, ʋuye nenhumbi dzaʋo dzose dzipambge;

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

13 N’wadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe;

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

13 Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

13 Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

13 Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha.

Viz kapitola kopírovat

Shona BIBLE

13 Tsamba dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurayiwa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe;

Viz kapitola kopírovat




Estere 3:13

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy