Zekaria 14:5 - Shona BIBLE5 Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, navatsvene vose pamwechete newe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Mucatiza nomumupata wamakomo aŋgu, nokuti mupata wamakomo ucandoȿika paAzeri; ɀirokwaɀo mucatiza, seɀamakatiza kuɗeŋgenyeka kwenyika pamazuʋa aUzia mambo waJuda; ipapo Jehova Mŋari waŋgu ucaʋuya, naʋatȿene ʋose pamŋe cete newe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, navatsvene vose pamwechete newe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona5 Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose. Viz kapitola |