Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 1:21 - Shona BIBLE

21 Ipapo ndikati, “Ava vauya kuzoitei?” Iye akataura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusina munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.”

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

21 Ipapo ndikati: Aʋa ʋaʋuya kuzoɓateiko? Iye akataura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda, kuȿikira kusinomunhu wakasimudza musoro wake; asi aʋa ʋaʋuya kuzoʋatyisa, kuwisira pasi nyaŋga dzendudzi dzaʋanhu dzakasimudzira nyika yaJuda runyaŋga rwaʋo ʋaciɗa kuʋaparadzira.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

21 Ipapo ndikati, “Ava vauya kuzobateiko?” Iye akataura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

21 Ini ndikati, “Ko ivava vari kuuya kuzoitei?” Iye ndokuti, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha zvokushaya kana nomumwechete akasimudza musoro. Zvino ivava vauya kuzovatyityidzira vachiwondomorera pasi masimba amarudzi akasimudza nyanga dzawo achitunga nyika yokwaJudha kuti iparare.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Zekaria 1:21

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy