Mika 3:11 - Shona BIBLE11 Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubairo, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyangwe zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Ʋakuru ʋaro ʋanotamba mhaka kuti ʋapiwe ɀipo, ʋaprista ʋaro ʋanodzidzisa kuti ʋapiwe muɓairo, ʋaprofita ʋaro ʋanoʋuka kuti ʋapiwe mari; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanosendamira kunaJehova, ʋaciti: Ko Jehova haazi pakati peɗu here? Hatiŋgawirwi neɀakaipa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 Vatungamiriri vayo vanoda pfumbamuromo pakutonga. Vapristi vacho, vanotoda muripo, kuti vadzidzise. Vaporofita vacho, vanoda mari kuti vashopere, uku vachivimba naTenzi vachiti, “Handiti Tenzi ari pakati pedu here? Hakuna chakaipa chichatiwira.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona11 Vatungamiriri vayo vanoda pfumbamuromo pakutonga. Vapristi vacho, vanotoda muripo, kuti vadzidzise. Vaporofita vacho, vanoda mari kuti vashopere, uku vachivimba naTenzi vachiti, “Handiti Tenzi ari pakati pedu here? Hakuna chakaipa chichatiwira.” Viz kapitola |