Mariko 1:45 - Shona BIBLE45 Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)45 Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200245 Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika45 Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona45 Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose. Viz kapitola |