Jeremia 1:15 - Shona BIBLE15 Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuwo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200215 Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona15 Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. Viz kapitola |