Isaya 2:4 - Shona BIBLE4 Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita miromo yegejo, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Viz kapitola |