Genesi 41:55 - Shona BIBLE55 Zvino vanhu vose veIjipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, “Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)55 Ɀino ʋanhu ʋose ʋeEgipita ʋofa nenzara, ʋakacemera ɀokudya kunaFarao; Farao akati kunaʋose ʋeEgipita: Endai kunaJosefa; itai ɀaanotaura kwamuri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200255 Zvino vanhu vose veIjipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, “Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika55 Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona55 Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Viz kapitola |