Ezekieri 46:2 - Shona BIBLE2 Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuwo rokunze, ndokumira pambiru yesuwo; zvino vapristi vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuwo; ipapo anofanira kubuda; asi suwo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Mucinda unofanira kupinda napanzira yeɓiraʋira resuʋo rokunze, ndokumira pambiru yesuʋo; ɀino ʋaprista ʋanofanira kumugadzirira cipiriso cake cinopiswa neɀipiriso ɀake ɀokuyananisa, iye agonamata pacikumbaridzo cesuʋo; ipapo unofanira kuɓuɗa; asi suʋo harifaniri kupfigwa kuȿikira maɗekwana. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vapristi vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru ari nechokunze omira panzvimbo pake amire nebango repaSuo Guru iroro. Vapristi vanosungirwa kupira mupiro wake wokupisa nomupiro wake wokuwadzana agopfugama ari kumusuo kweSuo Guru iroro. Anofanira kuzobuda asi Suo Guru racho harifaniri kuzarirwa kusvikira mumanheru. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona2 Ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru ari nechokunze omira panzvimbo pake amire nebango repaSuo Guru iroro. Vapristi vanosungirwa kupira mupiro wake wokupisa nomupiro wake wokuwadzana agopfugama ari kumusuo kweSuo Guru iroro. Anofanira kuzobuda asi Suo Guru racho harifaniri kuzarirwa kusvikira mumanheru. Viz kapitola |