Estere 9:12 - Shona BIBLE12 Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino Chiiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chiiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Ipapo mambo akati kunaʋahosi Estere: ƲaJuda ʋaʋuraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, ʋarume ʋanamazana mashanu, naʋanakomana ʋanegumi ʋaHamani; ndoɗa ɀaʋakaita kunamamŋe matiʋi enyika yamambo! Ɀino cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Kana cinyiko caunokumbira ɀino? Ɀicaitwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200212 Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Mambo akati kuna vahosi Esita, “Muguta reSusa muno, guta guru romuzinda wamambo, vaJudha vauraya mazana mashanu avanhu uyewo gumi ravana vaHamani vakomana, ko kutozoti kune dzimwe nyika dzose dzamambo! Zvino chichemo chamuchinacho ndechipi? Munozviitirwa chete. Ko chimwe chamungade kukumbira ipapa chii? Zvinofanira kuti zviitwe.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona12 Mambo akati kuna vahosi Esita, “Muguta reSusa muno, guta guru romuzinda wamambo, vaJudha vauraya mazana mashanu avanhu uyewo gumi ravana vaHamani vakomana, ko kutozoti kune dzimwe nyika dzose dzamambo! Zvino chichemo chamuchinacho ndechipi? Munozviitirwa chete. Ko chimwe chamungade kukumbira ipapa chii? Zvinofanira kuti zviitwe.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya uye vaparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.” Viz kapitola |