Estere 9:1 - Shona BIBLE1 Zvino nomwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murairo wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo; Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino nomŋedzi wegumi nemiʋiri, iwo mŋedzi weAdari, nezuʋa regumi namatatu, ŋguʋa yakati yasweɗera yokuti murairo wamambo necireʋo cake ɀiitwe, pazuʋa rakafuŋga ʋaʋeŋgi ʋaʋaJuda kuʋamukira naro; asi ɀakashandurwa, nokuti ʋaJuda ʋakamukira ʋaʋeŋgi ʋaʋo; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Zvino nomwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Zvino mumwedzi wegumi nechipiri, mumwedzi waAdhari, pamusi wegumi nechitatu wemwedzi wakarewo, pacho paifanira kuti zvakarehwa nomurao uya nechirevo chamambo zvichiitwa, musi wacho chaiwo waitarisirwa navavengi vevaJudha kuti vaJudha vava kuzova mumaoko medu, asi zuva iroro rakanga ratosandurwa kuti richiva zuva rokuti vaJudha vaise vavengi vavo mumaoko mavo; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona1 Zvino mumwedzi wegumi nechipiri, mumwedzi waAdhari, pamusi wegumi nechitatu wemwedzi wakarewo, pacho paifanira kuti zvakarehwa nomurao uya nechirevo chamambo zvichiitwa, musi wacho chaiwo waitarisirwa navavengi vevaJudha kuti vaJudha vava kuzova mumaoko medu, asi zuva iroro rakanga ratosandurwa kuti richiva zuva rokuti vaJudha vaise vavengi vavo mumaoko mavo; Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga. Viz kapitola |