Estere 4:11 - Shona BIBLE11 “Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyangwe murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 “Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 “Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona11 “Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi11 “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.” Viz kapitola |