Online Bible

- Reklamy -




Estere 10:3 - Shona BIBLE

3 Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahasuerusi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

3 Nokuti Mordekai muJuda wakaŋga ari wecipiri paʋushe aciteʋera mambo Ahashveroshi; waiʋa mukuru pakati paʋaJuda, akaɗikanwa naʋazhinji ʋehama dzake; waitȿakira ʋanhu ʋake ɀakanaka, acitaurira rudzi rwake rwose ɀorugare.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

3 Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

3 Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

3 Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

3 Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka.

Viz kapitola kopírovat




Estere 10:3

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy