Zekaria 1:4 - Shona Bible 1949 revised 20024 “Regai kuva samadzibaba enyu, nokuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, ‘Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nokuti ʋaprofita ʋokutaŋga ʋakaɗanidzira kwaari, ʋaciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Dzokai ɀino panzira dzenyu dzakaipa napaɀakaipa ɀenyu ɀamunoita; asi haʋana‐kunzwa kana kunditeerera — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Regai kuita samadzibaba enyu akadanidzirwa navaporofita vokutanga vachiti, ‘TENZI wehondo nehondo ati dzokai kunzira dzenyu dzakaipa mudzoke kuzviito zvenyu zvakaipa.’ Asi ivo havana kuteerera kana kunzwa, ndizvo zviri kutaura TENZI. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Regai kuita samadzibaba enyu akadanidzirwa navaporofita vokutanga vachiti, ‘TENZI wehondo nehondo ati dzokai kunzira dzenyu dzakaipa mudzoke kuzviito zvenyu zvakaipa.’ Asi ivo havana kuteerera kana kunzwa, ndizvo zviri kutaura TENZI. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha. Viz kapitola |