Ruka 7:25 - Shona Bible 1949 revised 200225 Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋaneŋguʋo dzinobginya, naʋanogara ɀinonaka, ʋari mudzimba dzamadzimambo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona25 Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda. Viz kapitola |