Numeri 11:31 - Shona Bible 1949 revised 200231 Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)31 Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika31 Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona31 Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi31 Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose. Viz kapitola |