Mupiro 4:31 - Shona Bible 1949 revised 200231 Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupristi agoapisa pamusoro peatari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupristi anofanira kumuyananisira, akanganwirwe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)31 Ɀino ŋgaabvise mafuta ayo ose, seɀinobviswa mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa naɀo, muprista agoapisa pamsoro peartari, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; muprista unofanira kumuyananisira, akaŋganwirwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika31 Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ezvibayiro zvokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari, kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Saka mupristi acharipira chitadzo chake iye anobva aregererwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona31 Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ezvibayiro zvokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari, kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Saka mupristi acharipira chitadzo chake iye anobva aregererwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi31 Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pachibayiro chokuwadzana uye muprista achazvipisa paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye acharegererwa. Viz kapitola |