Mupiro 23:40 - Shona Bible 1949 revised 200240 Pazuva rokutanga munofanira kutora michero yemiti yakanaka, namashizha emichindwe, namatavi emiti mikobvu, nemikonachando yomurukova; munofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)40 Pazuʋa rokutaŋga munofanira kutora micero yemiti yakanaka, namashizha emicindwe, namataʋi emiti mikobvu, nemikonacando yomurukoʋa; munofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wenyu mazuʋa manomŋe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika40 Zuva rorusere ngarive zuva guru rokuzorora rokutanga, tanhai michero yakanaka yemiti yenyu yamakasima. Toraiwo mapazi omurara neemimwe miti ine mashizha mazhinji, neemushambangwena yomurwizi, mufare muchipemberera pamberi paTenzi Mwari wenyu kwamazuva manomwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona40 Zuva rorusere ngarive zuva guru rokuzorora rokutanga, tanhai michero yakanaka yemiti yenyu yamakasima. Toraiwo mapazi omurara neemimwe miti ine mashizha mazhinji, neemushambangwena yomurwizi, mufare muchipemberera pamberi paTenzi Mwari wenyu kwamazuva manomwe. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi40 Pazuva rokutanga munofanira kutsara michero yakanakisisa yemiti, nemichero yemichindwe, namatavi ana mashizha akawanda, nemikonachando, uye mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu kwamazuva manomwe. Viz kapitola |