Mupiro 13:55 - Shona Bible 1949 revised 200255 mupristi agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)55 muprista agocerekedza ɀe kana hosha yasukwa; kana akaʋona kuti hosha haina‐kushanduka ruʋara rwayo, ʋuye kuti hosha haina‐kunyeŋga, hacina‐kunaka; unofanira kucipisa nomŋoto; yapinda mukati kwaɀo, kana necapamsoro kana necapanyasi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika55 Mupristi ngaaongorore hanzu iya yakambosukwa. Kana akaona chiundudzi chacho chisina kupararira, uye ruvara rwacho rusina kusanduka, hanzu iyoyo yakan'ora. Kunyange chiundudzi chacho chiri nechemberi kana seri kwehanzu iyoyo ngaipiswe nomoto. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona55 Mupristi ngaaongorore hanzu iya yakambosukwa. Kana akaona chiundudzi chacho chisina kupararira, uye ruvara rwacho rusina kusanduka, hanzu iyoyo yakan'ora. Kunyange chiundudzi chacho chiri nechemberi kana seri kwehanzu iyoyo ngaipiswe nomoto. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi55 Mushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete. Viz kapitola |