Online Bible

- Reklamy -




Mupiro 11:32 - Shona Bible 1949 revised 2002

32 Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

32 Cinhu cipi necipi cinowirwa necimŋe caɀo kana cakafa, cicaʋa cisina‐kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana ŋguʋo, kana ɗebge, kana homboɗo, kana iri nhumbi ipi neipi inoɓatwa ɓasa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, iʋe isina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo icaʋa yakanaka.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

32 Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

32 Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

32 Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena.

Viz kapitola kopírovat




Mupiro 11:32

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy