Mariko 14:3 - Shona Bible 1949 revised 20023 Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake. Viz kapitola |