Johane 20:25 - Shona Bible 1949 revised 200225 Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Ɀino ʋamŋe ʋadzidzi ʋakati kwaari: Taʋona Ishe. Iye akati kwaʋari: Kana ndikasaʋona maʋaŋga embambo muɀanza ɀake, nokuisa munwe waŋgu paiʋa nembambo, nokuisa ruʋoko rwaŋgu murutiʋi rwake, handiŋgatoŋgotendi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona25 Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.” Viz kapitola |