Isaya 27:9 - Shona Bible 1949 revised 20029 Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikinurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Saka nenzira iyi ɀakaipa ɀaJakobo ɀicadzikinurwa; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀose ɀokubviswa kweɀiʋi ɀake, kana aciita mabge ose eartari aʋe samabge omunyaka akaputswa‐putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuʋa ɀirege kuzomiswa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire; Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira. Viz kapitola |