Estere 5:14 - Shona Bible 1949 revised 200214 Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo.” Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)14 Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamŋari dzake dzose ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋagadzire matanda anamakubiti makumi mashanu pakureɓa kwawo, maŋgwana mugokumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe paari; ipapo muŋgapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Ɀino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 Mudzimai wake, Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwavari, “Ngapagadzirwe mutandarikwa wamapango unoita makumi maviri emamita ane mamita maviri kureba, mugofumosvitsa kuna mambo shoko rokuti Modhekai ngaasungirirwe pamutandarikwa iwoyo mozonyatsofara zvenyu muchienda namambo kumabiko.” Zano irori rakafadza Hamani akaita kuti mutandarikwa wacho ugadzirwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona14 Mudzimai wake, Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwavari, “Ngapagadzirwe mutandarikwa wamapango unoita makumi maviri emamita ane mamita maviri kureba, mugofumosvitsa kuna mambo shoko rokuti Modhekai ngaasungirirwe pamutandarikwa iwoyo mozonyatsofara zvenyu muchienda namambo kumabiko.” Zano irori rakafadza Hamani akaita kuti mutandarikwa wacho ugadzirwe. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi14 Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanu, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe. Viz kapitolaShona BIBLE14 Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Rairai kuti vagadzire matanda ana makubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo.” Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe. Viz kapitola |