Estere 2:7 - Shona Bible 1949 revised 20027 Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Iye wakaŋga arera Hadasa, ndiye Estere, mukunda waɓaɓamunini wake; nokuti wakaŋga asinaɓaɓa namai; ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka paʋumiro bgake napaciso cake; pakufa kwaɓaɓa ʋake namai ʋake Mordekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake. Viz kapitolaShona BIBLE7 Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake. Viz kapitola |