Online Bible

- Reklamy -

Estere 2:15 - Shona Bible 1949 revised 2002

15 Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

15 Ɀino dzoro raEstere mukunda waAbihairi, ɓaɓamunini ʋaMordekai, wakaŋga amutora akamuita mukunda wake, rakati riciȿika rokupinda kunamambo, haana‐kukumbira cinhu asi iɀo ɓedzi ɀakaŋga ɀarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi. Ɀino Estere akanzirwa tsitsi naʋose ʋaimuʋona.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

15 Pakasvika chijana chaEsita, mwanasikana waAbhihairi babamunini vaModhekai; uya akasara omurera somwanasikana wake chokuti achindopindawo muna mambo, hapana chaakakumbira kunze kwezvaakanyeurirwa naHegai muyuniki wamambo aive nebasa rokuchengeta vakadzi. Esita aiyemurwa nomunhu wose aimuona.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

15 Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona.

Viz kapitola kopírovat

Shona BIBLE

15 Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.

Viz kapitola kopírovat

Estere 2:15

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy