Eksodo 14:26 - Shona Bible 1949 revised 200226 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)26 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, kuti mvura idzokere pamsoro paʋaEgipita, napamsoro peŋgoro dzaʋo, napamsoro paʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika26 Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona26 Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi26 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Viz kapitola |