Maraki 1:14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)14 Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200214 Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona14 Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi14 “Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi. Viz kapitola |