Isaya 66:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)19 Ndicaisa ciratidzo pakati paʋo, ʋanopukunyuka kwaʋari ndicaʋatumira kunamamŋe marudzi, kunaʋeTarshishi, nePuri, neRudi, ʋanofura noʋuta, kunaʋeTubari neJavani, kuɀiwi ɀiri kure, ɀisina‐kumbonzwa mbiri yaŋgu, kana kuʋona kubginya kwaŋgu; iʋo ʋacaparidza kubginya kwaŋgu pakati pamarudzi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200219 Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona19 Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi. Viz kapitola |