Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 12:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

19 Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

19 uti kuʋanhu ʋenyika iyi: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋagere Jerusarema nenyika yaIsraeri: Ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ʋacitya nokunwa mvura yaʋo ʋacikaŋganiswa, kuti nyika yaro iitwe ɗoŋgo, yatorerwa ɀose ɀayo, nemhaka yokuita nesimba yaʋose ʋanogara’mo.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

19 uti kuvanhu venyika iyi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba yavose vanogaramo.’

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

19 Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

19 Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye nomunyika yaIsraeri: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya uye vachanwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo.

Viz kapitola kopírovat

Ezekieri 12:19

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy