Danieri 4:37 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika37 Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)37 Ɀino ini Nebukadnezari ndinorumbidza nokuwombera nokukudza Mambo wokuɗeŋga; nokuti maɓasa ake ose ndeeɀokwaɗi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuɗeredza ʋanofamba ʋaciɀikudza. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200237 “Zvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona37 Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi37 Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza, ndinosimudzira uye ndinokudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza. Viz kapitolaShona BIBLE37 “Zvino ini Nebhukadhineza ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.” Viz kapitola |