Isaya 29:8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Sezvinoitika kana munhu ane nzara anorota achidya ozomuka aine nzara yake, iyoyo asina kuguta, kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota anorota achinwa mvura anomuka akarezuka ane nyota yake isina kupera ndozvichaita gurusvusvu ravanhu vamarudzi ose vanorwisa Gomo reZioni. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Ɀicafanana nokurota kwomunhu unenzara, aciti ndinodya; asi unopepuka, ndokuwana mŋeya wake usinecinhu; kana sokurota kwomunhu unenyota, aciti ndinonwa; asi unopepuka, wanei waziya, mŋeya wake unopaŋga mvura; ndiɀo ɀicaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZioni. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi anopepuka, ndokuwana mweya wake usine chinhu; kana sokurota kwomunhu ane nyota, achiti ndinonwa; asi anopepuka, wanei aziya, mweya wake unopanga mvura; ndizvo zvichaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZioni. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Sezvinoitika kana munhu ane nzara anorota achidya ozomuka aine nzara yake, iyoyo asina kuguta, kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota anorota achinwa mvura anomuka akarezuka ane nyota yake isina kupera ndozvichaita gurusvusvu ravanhu vamarudzi ose vanorwisa Gomo reZioni. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona8 Sezvinoitika kana munhu ane nzara anorota achidya ozomuka aine nzara yake, iyoyo asina kuguta, kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota anorota achinwa mvura anomuka akarezuka ane nyota yake isina kupera ndozvichaita gurusvusvu ravanhu vamarudzi ose vanorwisa Gomo reZioni. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya, asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo; sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura, asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera. Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda anorwa neGomo reZioni. Viz kapitola |