Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 8:16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

16 Akapinda neni munhandare yomukatikati memba yaTenzi, onei pamusuo weTemberi yaTenzi pakati pekamba kepamusuo neatari paine varume vaikarosvika makumi maviri navashanu vakapira gotsi Temberi yaTenzi vakatarisa kumabvazuva vachipfugamira zuva kumabvazuva.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

16 Ipapo akandiisa muruʋazhe rwomukati rweimba yaJehova; tarira, pamukoʋa wetembere yaJehova pakati peɓiraʋira neartari, kwakaŋga kunaʋarume ʋaneŋge makumi maʋiri naʋashanu, ʋakafuratira tembere yaJehova, ɀiso ɀaʋo ɀakariŋgira kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaŋga ʋacinamata zuʋa kurutiʋi rwamabvazuʋa.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

16 Ipapo akandiisa muruvanze rwomukati rweimba yaJehovha; tarira, pamukova wetemberi yaJehovha pakati pebiravira nearitari, kwakanga kuna varume vanenge makumi maviri navashanu, vakafuratira temberi yaJehovha, zviso zvavo zvakaringira kurutivi rwamabvazuva; vakanga vachinamata zuva kurutivi rwamabvazuva.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

16 Akapinda neni munhandare yomukatikati memba yaTenzi, onei pamusuo weTemberi yaTenzi pakati pekamba kepamusuo neatari paine varume vaikarosvika makumi maviri navashanu vakapira gotsi Temberi yaTenzi vakatarisa kumabvazuva vachipfugamira zuva kumabvazuva.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

16 Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva.

Viz kapitola kopírovat

Ezekieri 8:16

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy