Ezekieri 31:18 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika18 “Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)18 Iwe wakafanana naniko pakubginya noʋukuru pakati pemiti yeEdeni? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓuruswa pamŋe cete nemiti yeEdeni kunɀimbo dzapasi dzenyika; ucaʋata pasi pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo. Ndiye Farao naʋanhu ʋake ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200218 “Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika18 “Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona18 “Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi18 “ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Viz kapitola |