Zekaria 9:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona15 TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Jehova wehondo ucaʋadzitira; ʋacaparadza, ʋacatsika pasi mabge ecipfuramabge; ʋacanwa, ʋaciita ruzha saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ʋacazadzwa sembiya, samakona eartari. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200215 Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. Vachaparadza uye vachakunda nezvimviriri. Vachanwa vagoomba sevanwa waini; vachazara sembiya dzinoshandiswa pakusasa makona earitari. Viz kapitola |