Zekaria 7:7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona7 Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here? Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Ko haazi mashoko aJehova aakaɗanidzira naʋaprofita ʋakare, Jerusarema ricakagarwa naʋanhu ricinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi nenyika yamapani dzicinaʋanhu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here? Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akaripoteredza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ” Viz kapitola |