Zekaria 7:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 “Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here? Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Taura naʋanhu ʋose ʋenyika ino, naʋaprista, uti: Ɀamaiɀinyima ɀokudya mucicema nomŋedzi wecishanu nowecinomŋe, makore ano anamakumi manomŋe, maitoŋgoɀinyima ɀokudya nokuɗa kwaŋgu, nokuɗa kwaŋgu here? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 “Taura navanhu vose venyika ino, navapristi, uti, ‘Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano ana makumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 “Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here? Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya uye mukachema mumwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here? Viz kapitola |