Zekaria 13:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ɀino kana aninani aciprofita, ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacati kwaari: Hauŋgararami, nokuti unoreʋa nhema nezita raJehova; ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacamubvoʋora kana aciprofita. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, “Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJehovha; baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya. Viz kapitola |