Zekaria 10:11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona11 Vachadimura nomugungwa reIjipiti, mafungu egungwa achange akamiswa, hwenje hwese hwemvura yaNairi huchange hwati gwa kuoma. Kuzvitutumadza kweAsiria kuchaderedzwa pasi pasi chaipo, uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Ucafamba nomuguŋgwa rokutambudzika, ucaroʋa mafuŋgu muguŋgwa, pakadzika pose muNairi pacapxa; kuɀikudza kweAsiria kucaɗeredzwa, tȿimbo yoʋushe yeEgipita icabviswa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 Achafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 Vachadimura nomugungwa reIjipiti, mafungu egungwa achange akamiswa, hwenje hwese hwemvura yaNairi huchange hwati gwa kuoma. Kuzvitutumadza kweAsiria kuchaderedzwa pasi pasi chaipo, uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi11 Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; mafungu egungwa achaderedzwa uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa. Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. Viz kapitola |