Zefania 2:7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona7 Nyika yokumahombekombe kwegungwa ichava yechitsama chakasara chemba yokwaJudha ichiva mafuro avo uye nomudzimba dzeAshikeroni ndomavacharara zvavo kumanheru nokuti Tenzi, Mwari wavo achange avabvakachira achivadzosera makomborero avo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Mhenderekedzo dzicaʋa dzaʋakasara ʋeimba yaJuda; ʋacafudza’po makwai aʋo; ʋacaʋata pasi maɗekwana mudzimba dzeAshkeroni; nokuti Jehova Mŋari waʋo ucaʋashanyira nokudzosa kutapxa kwaʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 Mhenderekedzo dzichava dzavakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Nyika yokumahombekombe kwegungwa ichava yechitsama chakasara chemba yokwaJudha ichiva mafuro avo uye nomudzimba dzeAshikeroni ndomavacharara zvavo kumanheru nokuti Tenzi, Mwari wavo achange avabvakachira achivadzosera makomborero avo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo. Viz kapitola |