Ʋatoŋgi 7:13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona13 Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, “Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.” Viz kapitola |