Ʋatoŋgi 3:28 - Bhaibhiri Idzva rechiShona28 Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)28 Akati kwaʋari: Nditeʋerei, nokuti Jehova wakaisa ʋaMoabi, ʋaʋeŋgi ʋenyu, mumaʋoko enyu. Ʋakaɓuruka ʋacimuteʋera, ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaMoabi, ʋakasatendera munhu mumŋe kuyambuka. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200228 Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu.” Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika28 Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi28 Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka. Viz kapitola |