Ʋatoŋgi 14:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ipapo ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋakati kwaari: Ko pakati paʋakunda ʋehama dzako, kana pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋose, hapanomukadzi here, ɀowoɗa‐kundoɀitorera mukadzi pakati paʋaFiristia ʋasina‐kudziŋgiswa? Samsoni akati kunaɓaɓa ʋake: Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwaɀo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa?” Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?” Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.” Viz kapitola |