Ʋatoŋgi 12:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ɀino ndakati ndiciʋona kuti hamuna‐kundiponesa, handina‐kuraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakapfuʋura ndikandorwa naʋana ʋaAmoni, Jehova akaʋaisa muruʋoko rwaŋgu; ɀino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?” Viz kapitola |