ƲaHeberu 9:15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona15 Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)15 Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200215 Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika15 Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi15 Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. Viz kapitola |