Online Bible

- Reklamy -

Ruka 8:29 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

29 Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

29 Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

29 Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

29 Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

29 Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje.

Viz kapitola kopírovat

Ruka 8:29

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy