Ruka 5:24 - Bhaibhiri Idzva rechiShona24 Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)24 Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200224 “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika24 Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.” Viz kapitola |